Kufudza (herding animals; to shepherd) kana kulisa (kuChikaranga) zvinoreva kuchengetedza zvipfuyo kana kuti mhuka dzepamusha panguva iyo dzinenge dziri kumafuro. Basa iri rine zvinangwa zvinosanganisira: kusvitsa zvipfuyo kunzvimbo dzine mafuro akanaka; kusvitsa mhuka kunonwirwa mvura; kudzivirira mhuka kuti dzisabiwa kana kukuvadzwa; kuchengetedza mhuka kuti dzisadya zvirimwa muminda.
Kurerutsa Mutauro
- Mautsahuku izita rinodudza kuti munhu ari kutaurwa murombo zvokuti anenge achatofudza huku.
- Marisamhuru izita zvakare.
Mitauro yeAfrika
- Kimbundu vanoti kubila (v. graze; pasture; browse) kureva kufudza.
- Swahili vanoti mlishi kana walishi (shepherd). Chidigo vanoti mrisa (herdsman) kureva mufudzi wezvipfuyo.
- Kiikizu vanoti -riisha (1. feed; 2. herd animals). Mang'anja vanoti kubusa (1. to herd; to drive together).
- Nyungwe inoti makabusa (shepherd/s) kureva muushi. Lunyoro vanoti omulisi (shepherd) kureva mufudzi wehwayi.
- Manga Kanuri vanoti dárà (n. pastoral migration) kureva kutama mafuro.
Mabviro eruzivo
- ↑ C.S Louw, (1915), A manual of the Chikaranga language, peji 18., Bulawayo Philpott & Collins. Yakatariswa: 26 Nymavhuvhu 2021